Moyo Wakapiwa

Spread the love

Moyo Wakapiwa

Maita Wakapiwa,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Hekani Moyo yangu yiyi,
Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Vari Tanganyika, Mutakurwa,
Bvumavaranda, vauya veMhani,
Hekani Moyo, wakapiwa,


Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Vaera Moyo, vanosweroteverwa navakadzi,
Moyo Wakapiwa pasi rose.
Maita vari Zangaome, vari Mahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,
VaMunayisivemvura,
Vanotocherwa pasi kuti uvawane.
Maita vari Daranjiva,


Kuna baba vaDhimwa naChimunda,
MuZungu, Mugarandakatakurwa,
Moyo Mudiwadiwa, Chisakarambwa.
Pachapfuura napo vanoridza mhururu,
Vana vaZiriwosehwa vakanyn’aya churu namate,
Churu chikati ny’akata.
Maita vaMoyo navaMunombirei.
Maita vari Matsvitsi neChikura.
Maita vari kuna Mutany’a,
Mukono wakarwa pasi.
Maita vari makaha, vana vamuzarabani,
Zvaitwa vari Mahanwa; hekani vaMwenda,
Aiwa zvaonekwa Wakapiwa,
Maita vaMhani, Moyo.

You may also like...

Add your first comment to this post

>