Shava Mwendamberi

Spread the love

Shava Mwendamberi

Maita Shava, Mwendamberi.
Maita vokwaGwenzi rakavita mambo,
VeChitemberere.
Maita Mvurayadzongwa
Matangakunwa Shava yangu yiyi,
Vari shure vanomwa mabvongwe,
Varimberi vachinwa tsvene,
Nyahunzvi, Shava yangu yiyi,
Zvaitwa vari Tsonzo,
Vana vaChikono chengwe
VokwaZongororo kunava,
Ariona ati rakafa,
Zvaitwa veChitemberere,
Vaera mhofu,
VokwaMazurukuwanda, kurimugukwa,
Maita VaKarimudunhu uchizvinwzira.
Zvaitwa VaShava vana vaChivero,
Aiwa zvaonekwa Mendamberi.

You may also like...

Add your first comment to this post

>