Shumba Murambwi

Murambwi
Spread the love

Shumba Murambwi

Maita Murambwi
Maita Shumba
Matikaha
Kuona chiso.

Hekani Chibwa, Mushereketi,
Vadzimba vedu, variritiri,
Mutsikapanyoro vana vaChibi,
Vakanyairi, vadyi vemhuka,
Maita Shumba yangu yiyi

Hekani Bumhi rangu riri,
Maita vaMhari, Chipamutoro,
Vari Nyaningwe,
Vari Chamhota,
Maita Shumba.

Mukweverakwasviba,
Asingadyi chokupamba,
Maita vaMhungudza,
Vari Baradzanwa,
Zvaonekwa vaMhari.

Zvaitwa vari Chitonje,
Vanomuka ngwe namasikati.
Zvaitwa Matikaha nokuone gumbo,
Kuone mumhu vanovhunduka.
Maita varere Baradzanwa.
Kwaka paradzanwa baba afa.
Hekani Mhungubwe yangu yiyi!
Zvaitwa mwana waChibi!
Aiawa zvaonekwa
Mhungubwe.
VaNyamukanga, Makovere.
Zvaitwa muNyaningwe, Chibwa!

You may also like...

Latest comments (2)

>