Soko Vhudzijena Wachenuka

Spread the love

Soko Vhudzijena Wachenuka

Evoi Soko,
Wachenuka, Vhudzijena.
Maita Mukanya, vene voushe,
Hekani Mbereka, hekani Makwiramiti,
Magaramugomo,
Makumbo mana muswe weshanu,
VaMurova pasi pachitinhira,
Hekani Mukumbudzi, Madevanoruwere,
Vari Zvihota Mukonde wangu yuyu.
Kuziva zvenyu vari Mapfukudza,
Vari Chikwindingwi, vagari venhaka,
VaMudyazvarimwa, vegana paura,
VaMazvikongonyadza kufamba hukanyn’aira,
Gudzamudungwe, VaZhwendende, varikumatanga.
Maita Ganduri, VaChazezesa, vari kumakore,
Vagari vamabwe pasina chinotunhwa,
Makudzagwara, vameso arimubako, vamahobi,
Gamaumire mabwe aMwari, Mwenewazvo,
Vanhu vakaera mutupo mumwe nashe,

VaMushambanegore, vanodya zvokupara,
Vanorara parefu, pasina unosvika,
Soko Mukanya yangu yiyi, VaHuye Mukonde.
Zvaitwa Matarira, vari mumabwe.
Mhanimani tinodya, svosve tinobovera,
Maita zvenyu rukuru,
Vakawana ushe nouchenjeri,
Vakufamba hujeukidza kwandabva,
Vagari vapakatunhumara, rudzi rwenhundu,
Pagerwe rinongova jemedzanwa.
Hekani VaMutwa Mukonde,
Zvaitwa Chiokochisingatunhwi, kugara hukwenyakwenya,
VaMushonganamatavi, vanorarama nezvokuba,

Mafere tinogara, manhanga tichidyawo.
chibahwe tinonwaurawo,
Magaka eduwo pamuromo,
Ipwa tichimenyawo,
Chiverere changu chichi,
Chirongo changu chichichi,
Vanengesvari vamabwe, venhombatsva.
Zvokudya ndezvenhamburirwa vari kapiri
kaVaManhenga,
Wawana damba nderake, asi mhani ndeyashe,
Vari kuMawere marambakurima, Zibwezvitedza,
Zvinotedzera vari kure, vari padyo vachitamba nazvo..

You may also like...

Add your first comment to this post

>