Tembo Mazvimbakupa

Spread the love

Tembo Mazvimbakupa

Maita Mazvimbakupa,
Maita Mbizi, maita Zvimbakugova,
Maita Tembo yangu yiyi,
Hekani Matendera, Ngwere, Njuma isina nyanga,
Zvaitwa Mbizi, zvaitwa Chivara,

Njuma yeRenje,
Hekani vaTembo, Mashongera,
Manjenjenje ganda ravasikana,
Paswe-ziso-mombe-somuchena,
Chinakiramatondo, Maruki, Musimira,
Mapfaravara Matungachuma,
Manyerenyete nyora dzenhurura,
Mazambacheka Mangarivari Matoyameso,
Mbizi yakashonga mikonde savakadzi,
Mhuka isina ukasha kana hundwa,
Zvaitwa Romo, zvaitwa Zenze,
Chigadhugadhu magunde avasikana,
Chitendera chamambo changu chichi,
Chishongo chavakadzi icho chirimudondo,
Vachasiyesiye Mutsikapatinhira,
Vemiswe michena inepfumvudza,

Maita voKwachipfuvachadziviremuto,
Mago matema akasvipa namagaro ose,
Vadyi vamachinda mazana anorasirwei,
Kusvipa dzangare baba wako ano matura mangani?
Zvaitwa maDhuve, zvaitwa mwana waChihota,
Maita vaZungu, vakauya vari pamachira,
Kuringa mbizi huringa makumbo,
Kuringa mutumbi noruvara unoyeverwa,
Mhuka inoti kana yomhanya mumatombo,
Kuatsika inoona moto kuti cheru cheru cheru,
Chisikwa chinomuririmira usina mhotswa nechimwe,
Kumira kungoti charavanda,
Ungati mheno anodziudza,
Kuwa kweBinga zuva rinoora.
Hekani vaNyemba, mubvana waChivazve,
Muroro wangu yuyu, mubvana waCharindapanze,
Zvaitwa vari kutsoka, Mahwemanyoro, kudziva ravaSenwa,
Zvaitwa vaHota, maita vaZomba,
Maita vari kuGwara,

Zvaitwa vari kuManyochwa, kwakafira Bindu naChigudza.
Totenda vari uZomba, vari Dzimbahwe, nevari Mabweadzibva.
Maita vari Guvira mucheka wakasunge nyika.
Mazviita zvenyu vari Manyika, Binga guru,
Vane mutupo usingagarwi nenhunzi,
Vakati chidawo chisina masvisvinwa,
Maita vari Chirovarova, vari kuChai,
Mahwemanyoro,
Kuziva zvenyu vari Zomba, kumashapa kunodyiwa
ndurwe nechirimo.
Zvaitwa muHota, zvaitwa tateguru, hekani sikarudzi.
Maita zvenyu dehwe rembizi, gakangoma,
Muno kunaka kunokungurwa navagera zvavo.
Aiwa zvaonekwa Zvimbakupa – Samaita

You may also like...

Add your first comment to this post

>